Amos 7

Mhashu, Moto neRwodzi Rwokuyeresa

1Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naIshe Jehovha: Akanga achigadzirira chimokoto chemhashu mushure mokukohwewa kwomugove wamambo uye mumera wechipiri uchangobuda. 2Dzakati dzapedza zvose zvaiva munyika, ndakadanidzira ndichiti, “Ishe Jehovha chikanganwirai henyu! Ko, Jakobho angararame sei? Muduku kwazvo!”

3Nokudaro Jehovha akadzora mwoyo.

Jehovha akati, “Izvi hazvichazoitika.”

4Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naIshe Jehovha: Ishe Jehovha akanga achidanidzira kuti pave nokutonga nomoto; wakaomesa gungwa rakadzika uye ukaparadza nyika. 5Ipapo ndakadanidzira ndichiti, “Ishe Jehovha, ndinokukumbirai, imbomirai henyu. Ko, Jakobho angararame sei? Muduku kwazvo!”

6Nokudaro Jehovha akadzora mwoyo.

Ishe Jehovha akati, “Izviwo hazvichaitiki.”

7Izvi ndizvo zvaakandiratidza: Jehovha akanga akamira pamadziro akanga akavakwa zvakaenzaniswa nerwodzi, ane rwodzi rwokuyeresa muruoko rwake. 8Uye Jehovha akandibvunza akati, “Unooneiko, Amosi?”

Ndakapindura ndikati, “Rwodzi rwokuyeresa.”

Ipapo Jehovha akati, “Tarira, ndichaisa rwodzi rwokuyeresa pakati pavanhu vangu vaIsraeri, handichavaponesazve.

9“Nzvimbo dzakakwirira dzaIsaka dzichaparadzwa,
uye nzvimbo tsvene dzaIsraeri dzichaitwa matongo;
ndichamukira imba yaJerobhoamu nomunondo wangu.”

Amosi naAmazia

10Ipapo Amazia muprista weBheteri akatumira shoko kuna Jerobhoamu mambo weIsraeri achiti, “Amosi akaita rangano yokukumukirai pakati chaipo pemwoyo weIsraeri. Nyika haigoni kugamuchira mashoko ake ose. 11Nokuti izvi ndizvo zviri kutaurwa naAmosi:

“ ‘Jerobhoamu achafa nomunondo,
uye Israeri ichaenda kuutapwa,
zvirokwazvo kure nenyika yavo yechizvarwa.’ ”
12Ipapo Amazia akati kuna Amosi, “Ibva muno, iwe muoni! Dzokera kunyika yeJudha. Uzviwanire zvokudya zvako ikoko, uchiprofita ikoko. 13Usaprofitazve paBheteri, nokuti iyi ndiyo nzvimbo tsvene yamambo uye netemberi youmambo.”

14Amosi akapindura Amazia achiti, “Ndakanga ndisiri muprofita, kana mwanakomana womuprofita, asi ndaiva mufudzi nomutariri wemionde yemisikamo. 15Asi Jehovha akanditora kubva paufudzi hwamakwai akati kwandiri, ‘Enda uprofite kuvanhu vangu Israeri.’ 16Zvino, chinzwa shoko raJehovha. Iwe unoti,

“Usaprofita pamusoro paIsraeri,
uye rega kuparidza pamusoro peimba yaIsaka.”
17“Naizvozvo zvanzi naJehovha:

“ ‘Mukadzi wako achava chifeve muguta,
uye vanakomana nevanasikana vako vachaparadzwa nomunondo.
Nyika yako ichayerwa igoganhurwa,
uyezve iwe pachako uchafira munyika yevedzimwe ndudzi,
Uye zvirokwazvo Israeri ichaenda kuutapwa,
kure nenyika yavo yechizvarwa.’ ”
Copyright information for SnaBDSC